1 Thessalonians 4

Kuraramira Kufadza Mwari

1Pakupedzisira, hama, takakurayirai kuti munofanira kurarama sei kuitira kuti mugofadza Mwari, sezvamuri kurarama. Zvino tinokukumbirai uye tinokukurudzirai muna She Jesu kuti murambe muchiita izvi uye muchiwedzera. 2Nokuti munoziva zvatakakurayirai nesimba raIshe Jesu.

3Kuda kwaMwari kuti muitwe vatsvene: 4kuti murege upombwe; kuti mumwe nomumwe wenyu adzidze kudzora muviri wake nenzira tsvene uye inokudzwa, 5asingaiti mukuchiva sezvinoitwa navahedheni, vasingazivi Mwari; 6uye kuti pane izvozvi parege kuva nomunhu anotadzira hama yake kana kumutorera chinhu. Ishe acharanga vanhu nokuda kwezvivi zvakadaro zvose, sezvatakakuudzai kare uye tikakuyambirai. 7Nokuti Mwari haana kutidanira kutsvina, asi kuti tirarame upenyu hutsvene. 8Naizvozvo, uyo anoramba kurayira uku haasi kuramba munhu asi Mwari, iye anokupai Mweya wake Mutsvene.

9Zvino kana rwuri rudo kuhama, hatitsvaki kukunyorerai, nokuti imi pachenyu makadzidziswa naMwari kuti mudanane. 10Uyezve, munoda hama dzose muMasedhonia yose. Asi tinokukurudzirai, hama, kuti muite izvozvo uye muchiwedzera.

11Shingairirai kuti mugare upenyu hworunyararo, muchibata basa renyu namaoko enyu, sezvatakakuudzai, 12kuitira kuti upenyu hwamazuva ose huwane kukudzwa navari kunze uye kuitira kuti murege kusendamira kuno mumwe munhu.

Kuuya kwaShe

13Hama, hatidi kuti muve vasingazivi pamusoro paavo vavete, kana kuchema savamwe vavo, vasina tariro. 14Isu tinotenda kuti Jesu akafa uye akamukazve, nokudaro isu tinotenda kuti Mwari achauyisa pamwe chete naJesu avo vakavata maari. 15Samashoko aShe pachake, tinokuudzai kuti isu vachiri vapenyu, vachasara kusvikira pakuuya kwaShe, zvirokwazvo hatizotangiri avo vakavata. 16Nokuti Ishe pachake achaburuka achibva kudenga, nokurayira kukuru, nenzwi romutumwa mukuru uye nokurira kwehwamanda yaMwari, uye vakafa muna Kristu vachatanga kumuka. 17Shure kwaizvozvo, isu vachiri vapenyu uye vakasara, tichatorwa pamwe chete navo mumakore kuti tisangane naShe mudenga. Nokudaro tichava naShe nokusingaperi. 18Naizvozvo kurudziranai namashoko aya.

Copyright information for SnaBDSC